Genesis 5

Kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Noa

1Iyi ndiyo rondedzero yakanyorwa yorudzi rwaAdhamu.

Mwari paakasika munhu akamuita nomufananidzo waMwari.
2Akavasika murume nomukadzi uye akavaropafadza. Uye vakati vasikwa, akavatumidza kuti “munhu.”

3Adhamu akati agara makore zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana akafanana naye, akanga akamutodza; akamutumidza zita rokuti Seti. 4Shure kwokuberekwa kwaSeti, Adhamu akararama kwamakore mazana masere uye akaberekazve vamwe vanakomana navanasikana. 5Pamwe chete, Adhamu akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matatu, uye ipapo akafa.
6Seti akati agara makore zana namashanu, akabereka Enoshi. 7Uye shure kwokubereka kwake Enoshi, Seti akararama kwamakore mazana masere namanomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 8Pamwe chete, Seti akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi namaviri, uye ipapo akafa.
9Enoshi akati ararama kwamakore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani. 10Uye shure kwokubereka kwake Kenani, Enoshi akararama kwamakore mazana masere ane gumi namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 11Pamwe chete, Enoshi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
12Kenani akati ararama kwamakore makumi manomwe, akabereka Maharareri. 13Uye mushure mokubereka kwake Maharareri, Kenani akagara kwamakore mazana masere namakumi mana uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 14Pamwe chete, Kenani akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi, uye ipapo akafa.
15Maharareri akati agara kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi. 16Uye mushure mokubereka kwake Jaredhi, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 17Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
18Jaredhi akati ararama kwamakore zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki. 19Uye mushure mokubereka kwake Enoki, Jaredhi akararama kwamakore mazana masere akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 20Pamwe chete, Jaredhi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, uye ipapo akafa.
21Enoki akati ararama kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera. 22Uye mushure mokubereka kwake Metusera, Enoki akafamba naMwari kwamakore mazana matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 23Pamwe chete, Enoki akararama kwamakore mazana matatu namakumi matanhatu namashanu. 24Enoki akafamba naMwari; ipapo akasazovapo, nokuti Mwari akamutora.
25Metusera akati ararama kwamakore zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki. 26Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe namakumi masere namaviri uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 27Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa.
28Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana. 29Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha.” 30Mushure mokuberekwa kwaNoa, Rameki akararama kwamakore mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 31Pamwe chete, Rameki akararama kwamakore mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, uye ipapo akafa.
32Mushure mokunge Noa ava namakore okuberekwa mazana mashanu, akabereka Shemu, Hamu naJafeti.
Copyright information for SnaBDSC